Nahum 3

Ninevhe rine nhamo

1Rine nhamo guta reropa,
rizere nenhema,
rizere nezvakapambwa,
harigari risina varinotambudza!
2Kurira kwetyava,
utsvikitsviki hwamavhiri,
mutsindo wamabhiza
nomubvumo wokutinhira kwengoro!
3Kumhanya kwavatasvi vamabhiza,
kupenya kweminondo
namapfumo anovaima!
Vazhinji vakaurayiwa,
mirwi yevakafa,
mitumbi isingaverengeki,
vanhu vachigumburwa nezvitunha.
4Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve,
chinokwezvera, mukuru wouroyi,
akatapa ndudzi noufeve hwake
namarudzi avanhu nouroyi hwake.
5“Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Ndichafukura nguo yako ifukidze chiso chako
“Ndicharatidza ndudzi kushama kwako
namadzimambo kunyadziswa kwako.
6Ndichakukandidzira tsvina,
ndichakuita akazvidzika
uye ndichakuita chiseko.
7Vose vachakuona vachakutiza uye vachati,
‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’
Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?”

8Uri nani kupfuura Tebhesi here,
rakavakwa paNairi,
rakakomberedzwa nemvura?
Rwizi ndirwo rwairidzivirira,
mvura iri rusvingo rwaro.
9Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru;
Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo.
10Kunyange zvakadaro yakatapwa
ikaendeswa kuutapwa.
Vacheche varo vakaputsanyiwa
kumavambo kwemigwagwa yose.
Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo,
uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.
11Newewo uchadhakwa;
uchavanda
ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.

12Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde
ine michero yokutanga yaibva;
paanozunzwa,
maonde anodonhera mumuromo momudyi.
13Tarira mauto ako,
vose vakadzi!
Masuo enyika yako
akazarurirwa kuvavengi vako;
moto waparadza mazariro awo.

14Cherai mvura kuitira kukombwa,
simbisai nhare dzenyu!
Gadzirai ivhu,
kanyai dhaka,
mugadzire zvidhina zvenyu!
15Moto uchakuparadzai imomo;
munondo uchakuurayai,
uye uchakuparadzai semhashu.
Berekanai semhashu,
muberekane sehwiza!
16Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu
kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda.
Asi sehwiza, vanoparadza nyika
vobhururuka vachienda.
17Varindi venyu vakaita sehwiza,
machinda enyu segundamusaira rehwiza
dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora,
asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda,
uye hapana anoziva kuti kupi.

18Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira;
machinda ako anorara pasi kuti azorore.
Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo
pasina angavaunganidza.
19Hapana chingarapa ronda rako;
kukuvara kwako kuchakuuraya.
Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako
anorova maoko ake pakuwa kwako,
nokuti ndianiko asina kunzwa
utsinye hwako husina magumo?
Copyright information for SnaBDSC